Musi iwoyo mumwe murume muBhenjamini akatiza achibva kuhondo, akamhanyira kuShiro. Akanga abvarura-bvarura hanzu dzake aine ivhu mumusoro. Paakasvika Eri akanga agere pachigaro chake parutivi penzira akatarisa nzira nokuti mwoyo wake waityira Bhokisi raMwari. Murume uya paakapinda muguta, akataurira vanhu zvakanga zvaitika, guta rose ndokubva rati mhere kwetsu. Eri paakanzwa mhere iya akati, “Ko mhere iyoyi ndeyei?” Murume iyeyu akamhanyira kundoudza Eri. Eri akanga ava namakumi mapfumbamwe amakore namakore masere okuberekwa. Maziso ake akanga apera, asisaoni. Murume uya akati kuna Eri, “Ndini ndabva kuhondo uko. Ndatiza hondo nhasi uno.” Eri akabvunza achiti, “Ko zvafamba seiko ikoko mwanangu?” Nyakuuya neshoko uya akapindura achiti, “VaIsiraeri vaita rumwe rumwe kutiza vaFirisitia. Hondo yedu yakatakazhwa. Uyewo vanakomana venyu Hofini naFinehasi vafa, uyezve Bhokisi raMwari rapambwa.” Paakangodoma Bhokisi raMwari, Eri akanga agere pachigaro munyasi mesuo guru akabva ati namanhede re-ezu pasi gwajara, mutsipa ndokubva wati pipfu, ndiye sarai. Zviripo ndezvokuti vakanga akwegurawo, uye akanga akafuta. Akanga atonga vaIsiraeri kwamakumi mana amakore. Muroora wavo mudzimai waFinehasi akanga akazvitakura ava padyo nokusununguka, paakanzwa shoko rokuti Bhokisi raMwari rapambwa, uye kuti vatezvara vake nomurume wake vafa, mimba yakarwadza akati bvucha akasungukuka nokuti mimba yakarwadza. Paakanga ava kufa, vakadzi, vananyamukuta vaimubatsira pakusununguka vakamuti, “Tsunga mwoyo, wapiwa mwana mukomana.” Asi iye haana chaakapindura kana kuratidza kuita mwoyo nazvo. Akatumidza mwana iyeyo zita rokuti Ikabhodhi, achiti “Mbiri yeIsiraeri yaenda,” pamusana peBhokisi raMwari rakapambwa, uyewo napamusana pavatezvara vake nomurume wake. Akati, “Mbiri yabva muIsiraeri nokuti Bhokisi raMwari ratorwa.”
Verenga chikamu 1 Samueri 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 4:12-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo