VaIsiraeri vose varume vakasuruvara kwazvo musi iwoyo nokuti Sauro akanga apikira vanhu mhiko achiti, “Ngaawirwe norushambwa munhu anenge angowana chaanodya zuva risati radoka ini ndisati ndatsividza vavengi vangu.” Saka hakuna kana munhu akaisa chinhu mukanwa. Vanhu ivava vose vakasvika mune rimwe sango makanga mune uchi hwaiva pachena. Vanhu pavakapinda musango iroro onei mune uchi huchitoita zvokuerera zvahwo. Asi hakuna kana munhu akahunomborera mukanwa kuhudya nokuti vanhu vaitya mhiko iya. Asi Jonatani haana kunge anzwa kuti baba vake vakanga vatsidzira vanhu nemhiko. Akasveerera nomudonzvo waaiva nawo mumaoko, ndokunyika kwokupedzesera kwawo muzinga rouchi, ndokuhunomborera mukanwa akabva abengenuka meso. Asi mumwe wavo akamuti, “Baba venyu vanyatsosimbisisa kwazvo kutsidzira vanhu nemhiko vachiti, ‘Ngaawirwe norushambwa munhu anenge angowana chaanodya nhasi uno.’ ” Vanhu vakaziya nenzara.
Jonatani ndokuti, “Inga baba vangu vapa vanhu mutoro chaiwo. Asi ini tarisai muoneka, ndatobengenuka meso nokuravira kwandangoita tuuchi utwu. Ko kutozoti dai nhasi vanhu vanga vanyatsodya zvavo zvavapamba kuvavengi vavo, zvavatoita zvavo zvokuwanikidza kudai iye zvino vaFirisitia vangadai vasina kunge vatoparadzwa zvakanyanya here?”
Musi iwoyo vakarakatisa vaFirisitia kubvira kuMikimashi kudzamara kuAijaroni, asi vanhu vakaziya nenzara. Vanhu vakawirirana kutora zvakanga zvapambwa. Vakatora hwai nemombe nemhuru vachidziurayira pose pose pasi, vakadya nyama isina kusinzwa ropa. Vamwe vakataurira Sauro kuti, “Zvamunoonaka, vanhu vari kutadzira Tenzi nokudya nyama isina kusinzwa ropa.” Iye ndokuti, “Ndokusatendekaka ikoko. Chikungurutsirai zidombo guru pano pandiri.” Sauro akabvawo ati, “Chipararirai nomuvanhu muvati, ‘Munhu wose ngaauye nemombe yake kana kuti hwai yake kuno kwandiri mudzibayire pano, mozodya zvenyu murege kutadzira Tenzi nokudya nyama isina kusinzwa ropa.’ ” Usiku ihwohwo munhu wose akaendako nemombe yake vakadziurayira ikoko. Sauro akavakira Tenzi atari. Ndiyo atari yake yokutanga kuvakirawo Tenzi.
Sauro akazoti, “Ngatirondei vaFirisitia nousiku huno, tivapambe, tirege kusiya kana nomumwe wavo ari mupenyu.” Ivo vakati, “Itai zvenyu zvamunenge mada.” Asi mupristi akati, “Ngatimbonzwai kuna Mwari.”
Sauro akabvunza kuna Mwari kuti, “Ndoronda here vaFirisitia kana kuti kwete? Ko, muchavaisa mumaoko evaIsiraeri here?” Asi musi iwoyo Mwari haana kumupindura. Sauro akati, “Uyai pano imi mose vatungamiriri vavanhu muongorore mugoona kuti zvechitadzo ichi zvauya sei nhasi. Chokwadi ndinopika naTenzi mupenyu, iye mununuri weIsiraeri, kunyange zvazvo akava Jonatani mwana wangu chaiye, anotopafa chete.” Asi pavanhu vose ivavo hapana nomumwe akamupindura chinhu. Sauro akati kuvaIsiraeri vose, “Imi mirai uku, ini nomwana wangu Jonatani timirewo uku.” Vanhu vakati kuna Sauro, “Itai zvamunenge muchida.”
Naizvozvo Sauro akati kuna Tenzi Mwari wavaIsiraeri, “Ndiisireiwo pachena zvechokwadi zvacho.” Jonatani naiye Sauro vakabva vabatwa nechin'ange chikasiya vamwe vose. Sauro ndokuti, “Itai chin'ange pakati pangu ini nomwanakomana wangu Jonatani.” Jonatani ndokubva abatwa. Sauro akati kuna Jonatani, “Ndiudze zvawaita?” Jonatani akamuti, “Ndangoti nomborei tuuchi nomuromo wetsvimbo yangu. Ndinofanira zvangu kufa.”
Sauro akati, “Mwari ngaandione kana iwe Jonatani ukarega kufa!”
Asi vanhu vakarambira Sauro vachiti, “Munoti Jonatani afe? Anunura Isiraeri zvakakura zvikadai! Hazvimboitika! Tinopika naTenzi mupenyu, haambofanira kana kubatwa-batwa zvake kunyange ruvhudzi rwake nokuti ashanda naMwari nhasi.” Naizvozvo vanhu vakanunura Jonatani akarega kufa.
Sauro akabva aregera kuronda vaFirisitia. VaFirisitia ndokubva vadzokerawo kwavo.
Sauro akati agara umambo hwomuIsiraeri, akarwisa vavengi vake vose kumativi ose vaiti: vaMoabhu nevaAmoni nevaEdhomu kwoti madzimambo okuZobha kwozouya vaFirisitia. Kwose kwose kwaaienda aisiya avashura mare. Aiva gamba chairo mukurwa, akakurira vaAmareki akanunura Isiraeri mumaoko avanhu vaivapamba.
Vana vaSauro vakomana vaiva Jonatani naIshivhi naMarikishua, vasikanawo vaiva vaviri, wedangwe ainzi Merabhi, muduku achinzi Mikari. Mudzimai waSauro ainzi Ahinoamu mwana waAhimaazi. Mutungamiriri wehondo yake ainzi Abhuna mwanakomana waNeri, babamudiki waSauro. Baba waSauro ainzi Kishi. Neri baba waAbhuna akaberekwa naAbhueri.
Paupenyu hwose hwaSauro paigara pakarwiwa chete zvakaomarara navaFirisitia. Iyewo Sauro aiti akaonawo munhu ane simba, kana wose aiva nechivindi, aibva amupinza muhondo yake.