Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Pita 5:1-10

1 Pita 5:1-10 SCLBD

Naizvozvo ndinokurudzira vakuru–vakuru pakati penyu somumwe wavakuru–vakuruwo uye somupupuri wamatambudziko aKristu uyewo somumwe waavo vachawana mugove mumbiri icharatidzwa. Fudzai danga raMwari rakaiswa mumaoko menyu, kwete sokunge munomanikidzwa asi nomwoyo unoda, kwete pamusana pokuda kuzvipfumisa zvinonyadzisa asi muchitozvifarira. Musaite zvechisimba navari pasi penyu asi mukutova muenzaniso kudanga iroro. Kana mufudzi mukuru wooneswa, muchawana ndaza isingabhuruvari yembiri. Naizvozvowo nemi vadiki vacho ivai pasi pavakuru–vakuru. Pfekai mose kuzvidukupisa mumwe achizvininipisa kune mumwe nokuti Mwari anorwisana navanozvikudza achitsigira nenyasha vanozvininipisa. Nokudaro zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba kuti nenguva yakafanira azokupembedzai zvikuru. Turirai zvinokudyai mwoyo zvose kwaari nokuti anehanya nemi. Garai makagadzikana makarindira, mhandu yenyu Satani anobvongodza kose kose seshumba inodzvova ichitsvaka waingadye. Murwisei, makasimba muchitendero chenyu, muchiziva kuti kutambudzika kumwecheteko kunofanira kutirirwa nevehama pasi pose. Mushure mokunge mambotambudzika kwechinguva, Mwari wenyasha dzose, iye akakudaidzai kumbiri yake isingaperi muna Kristu, iye pachake achakudzorerai kuva zvamunofanira kunge muri, mudzike midzi, achikusimbisai.

Verenga chikamu 1 Pita 5