Regai zvamakanzwa pakutanga zvirambe zviri mamuri. Kana zvamakanzwa kubvira pakutanga zvikaramba zviri mamuri ipapo imi mucharamba muina Mwanakomana uye muina Babawo. Upenyu husingaperi ndicho chitsidzo chaakatitsidzira. Ndiri kukunyorerai izvi nezvevavo vangakunyengedzei. Mweya Mutsvene wamakazodzwa naye, anoramba ari mamuri. Hazvichisina basa kwamuri kuti muve neanokudzidzisai, nokuti iye wamakazodzwa naye anokudzidzisai uye ndewechokwadi ari pachokwadi haarevi nhema sokukudzidzisai kwaakakuitai, rambai muinaye. Zvino vanangu, garai makabatana naye kuti kana iye ozviratidza tive nechivimbo. Tirege kunyara pakuuya kwake.
Verenga chikamu 1 Johani 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Johani 2:24-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo