Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 7:32-40

1 Vakorinde 7:32-40 SCLBD

Ndingade kuti pasave nechinokushungurudzai mumwoyo. Murume asina kuroora ane shungu nezvaTenzi kuti angafadze Tenzi sei. Asi murume akaroora mwoyo wake uri kune zvapanyika kuti angafadze mudzimai wake sei. Munhu ane mwoyo miviri. Mukadzi asina kuroorwa kana kuti mhandara, ano shungu nezvaTenzi kuti ave mutsvene mumuviri nomumweya. Asi mukadzi akaroorwa mwoyo wake uri kune zvenyika kuti angafadze sei murume wake. Ndinotaura izvi kuti ndikubatsirei, kwete kuti ndiwane chandinokurambidzai asi kuti pave nokuita kune mwero uye kuti muve nomwoyo mumwechete kuna Tenzi. Kana murume achiona kuti haasikuzvibata kumusikana wake. Kana havi dzake dzanyanya uye pane zvinofanira kuitwa ngaaite zvaari kuda kuita, ngaaroore. Hapana chakaipa. Asi munhu akanyatsofunga mumwoyo make kurega kuroora asina amumanikidza achinyatsoziva zvaari kuita, anyatsozvironga mumwoyo make kusaroora musikana wake, anoita zvakanaka. Naizvozvo munhu anoroora musikana wake anoita zvakanaka uyewo munhu asingaroori anotoita zviri nani. Kana murume achiri mupenyu mudzimai anosungwa nomurawo wokuramba akabatana nomurume wake, asi murume wake akafa, akasununguka kuroorwa nomurume waanoda asi ngazviitwe muna Tenzi. Asi sokuona kwangu angatova munhu akakomborerwa zvake akaramba ari zvaari izvozvo. Ndinofunga kuti ndina Mweya waMwari.

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe ne1 Vakorinde 7:32-40