Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 8:20-23

Varoma 8:20-23 SNA2002

Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo, zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwewo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari. Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwechete kusvikira zvino. Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesuo, kunyange tine zvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa kwomuviri wedu.

Verenga chikamu Varoma 8