Ko zvino zvakanaka zvakazova rufu kwandiri here? Haisva! Asi ndizvo zvivi, kuti zviratidzwe kuti zvivi, zvakandiitira rufu nezvakanaka; kuti nomutemo zvivi zvive zvakaipa kwazvokwazvo. Nokuti tinoziva kuti murayiro ndowemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pezvivi. Nokuti zvandinoita handizvizivi; nokuti zvandinoita hazvizi zvandinoda; asi zvandinovenga, ndizvo zvandinoita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi, ndinobvumira kuti murayiro wakanaka Zvino handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri. Nokuti ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo. Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri. Naizvozvo ndinowana murayiro uyu kuti kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri. Nokuti ndinofarira murayiro waMwari nomunhu womukati; asi ndinoona mumwe murayiro pamitezo yangu, unorwa nomurayiro womurangariro wangu, unonditapira kumurayiro wezvivi uri pamitezo yangu. Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko achandisunungura pamuviri worufu urwu? Mwari ngaavongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu. Naizvozvo nomurangariro ndinobatira Mwari, asi nenyama murayiro wezvivi.
Verenga chikamu Varoma 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 7:13-25
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo