Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 15:1-20

Varoma 15:1-20 SNA2002

Zvino isu, tine simba, tinofanira kutakura utera hwavasina simba, tisingazvifadzi. Mumwe nomumwe wedu ngaafadze wokwake pane zvakanaka zvinosimbisa. Nokuti Kristuwo haana kuzvifadza; asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Kuzvidza kwavakakuzvidza nako kwakawira pamusoro pangu.” Nokuti zvose zvakanyorwa kare, zvakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro. Zvino Mwari wokutsungirira nowokunyaradza ngaakupei mwoyo mumwe pakati penyu, sezvinoda Kristu Jesu; kuti mukudze Mwari, baba vaIshe wedu Jesu Kristu, nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe. Saka gamuchirai, Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe. Nokuti ndinoti, Kristu akaitwa mushumiri wokudzingiswa kuratidza zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba. Uye, kuti vahedheni vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pavahedheni, Nokukuimbirai zita renyu.” Uyezve unoti, “Farai imi vahedheni, navanhu vake.” Uyezve, “Rumbidzai Ishe, imi vahedheni vose; Marudzi ose ngaamukudze.” Uyezve, Isaya anoti, “Mudzi waJese uchavapo, Naiye unomuka, kuti abate vahedheni; Vahedheni vachamutarira iye.” Zvino Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pakutenda kwenyu, kuti muve netariro yakawandisa, nesimba roMweya Mutsvene. Zvino, hama dzangu, ini ndimene ndinoziva kwazvo pamusoro penyu, kuti imi mumene muzere nokunaka, makazadzwa nokuziva kwose, munogonawo kurayirana. Asi ndinokunyorerai zvimwe ndichinyanya kutsunga, ndichiita sendinokuyeudzai nenyasha dzandakapiwa naMwari, kuti ndive muranda waKristu Jesu kuvahedheni, ndichiita basa roupristi muVhangeri yaMwari, kuti chibayiro chavahedheni chifadze Mwari, chakaitwa chitsvene noMweya Mutsvene. Naizvozvo ndingazvirumbidza muna Kristu Jesu pazvinhu zvaMwari. Nokuti ndingatya kutaura zvimwe zvinhu, asi izvo Kristu zvaakaita neni, kuti vahedheni vaterereswe neshoko namabasa, nesimba rezviratidzo nezvinoshamisa, nesimba roMweya Mutsvene; nokuda kubva Jerusaremu nenyika yakapoteredza, kusvikira Iririko, ndakaparidza kwazvo Vhangeri yaKristu; ndichishingairira chinhu ichi kuti ndiparidze Vhangeri, apo pasina kumborehwa zita raKristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu

Verenga chikamu Varoma 15