Shure kwaizvozvi ndakaona vatumwa vana, vamire kumativi mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana pagungwa, kana pamiti yose. Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achikwira achibva kumabvazuva, ane chisimbiso chaMwari mupenyu; akadana nezwi guru kuvatumwa vana, vaya vakanga vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa, achiti, “Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.” Ndikanzwa kuwanda kwavakaiswa chisimbiso; vane zviuru zvine zana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi ose avana vaIsiraeri.
Kurudzi rwaJudha vakaiswa chisimbiso
vane zviuru zvine gumi nezviri;
Kurudzi rwaRubheni vane zviuru zvine gumi nezviviri;
Kurudzi rwaGadhi vane zviuru zvine gumi nezviviri;
Kurudzi rwaAseri vane zviuru zvine gumi nezviviri;
Kurudzi rwaNefitarimi vane zviuru zvine gumi nezviviri;
Kurudzi rwaManase vane zviuru zvine gumi nezviviri;
Kurudzi rwaSimioni vane zviuru zvine gumi nezviri;
Kurudzi rwaRevhi vane zviuru zvine gumi nezviviri;
Kurudzi rwaIsakari vane zviuru zvine gumi nezviri;
Kurudzi rwaZabhuroni vane zviuru zvine gumi nezviviri;
Kurudzi rwaJosefa vane zviuru zvine gumi nezviviri;
Kurudzi rwaBhenjamini vakaiswa chisimbiso
vane zviuru zvine gumi nezviviri.
Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikaona vazhinjizhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro choushe, napamberi peGwayana, vakapfeka nguo chena, vakabata muchindwe mumaoko avo; vakadanidzira nezwi guru, vachiti, “Ruponeso ngaruve kuna Mwari anogara pachigaro choushe, nokuGwayana.” Ipapo vatumwa vose vakamira, vakakomba chigaro choushe, naVakuru, nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawira pasi nechiso pamberi pechigaro choushe, vakanamata Mwari, vachiti, “Ameni: Kurumbidzwa, nokubwinya, nokuchenjera, nokuvonga, nokukudzwa, noushe, nesimba, ngazvive kuna Mwari nokusingaperi-peri. Ameni!”
Ipapo mumwe waVakuru akapindura, akati kwandiri, “Ava vakapfeka nguo chena ndivanaaniko? Vanobvepiko?”
Ndikati kwaari, “Ndivo vanobva mukutambudzika kukuru, vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana.”
Naizvozvo vari pamberi pechigaro choushe chaMwari, vanomushumira masikati nousiku mutemberi yake; iye, anogara pachigaro choushe, achavadzitira netabhenakeri. Havachazoziyi nenzara, havachazofi nenyota; havangapiswi nezuva kana nokumwe kupisa; nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richavafudza, richavatungamirira kumatsime emvura youpenyu; Mwari achapisika misodzi yose kumeso avo.