Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 12:1-9

Zvakazarurwa 12:1-9 SNA2002

Zvino kudenga kwakaonekwa chiratidzo chikuru ichi: Mukadzi, akanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona ine nyeredzi dzine gumi nembiri; iye akanga ane mimba, akadanidzira pakupona kwake, achitambudzika pakuzvara. Ipapo kudenga kwakaonekwa chimwe chiratidzo ichi: Tarira, shato huru tsvuku, ine misoro minomwe, nenyanga dzine gumi, napamisoro wayo korona nomwe. Muswe wayo ukakweva chetatu chenyeredzi dzokudenga, ndokudzikandira pasi panyika; shato iyo ikamira pamberi pomukadzi akanga ozvara, kuti iparadze mwana wake kana azvara. Akazvara mwana womukomana, anozofudza marudzi ose netsvimbo yedare; mwana wake ndokutorwa kuna Mwari, nokuchigaro chake choushe. Mukadzi akatizira kurenje, paakagadzirirwa nzvimbo naMwari, kuti vamuchengetepo mazuva ane chiuru chinamazana maviri namakumi matanhatu. Zvino kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, shato ikarwa inavatumwa vayo; vakasakunda, nenzvimbo yavo haina kuzowanikwa kudenga. Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiabhori, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwechete nayo.