Mapisarema 57
57
Rugare rwomwoyo pakati penjodzi
Kumutungamiriri wokuimba; nomuimbirwo weAritasheti. Pisarema raDhavhidhi, rwiyo rweMikitami; panguva yaakatiza Sauro pabako.
1Ndinzwirei tsitsi, Mwari, ndinzwirei tsitsi;
Nokuti mweya wangu unotizira kwamuri;
Zvirokwazvo, ndichatizira kumumvuri wamapapiro enyu,
Kusvikira njodzi dzapfuura.
2Ndichadanidzira kuna Mwari Wokumusorosoro;
Kuna Mwari anondiitira zvose.
3Achatuma mubatsiri ari kudenga, andiponese,
Kana iye, anovavarira kundimedza, achindishora;
Mwari achatuma tsitsi dzake nezvokwadi yake.
4Mweya wangu uri pakati peshumba;
Ndinovata pasi pakati pavanopfuta somoto,
Ivo vanakomana vavanhu, vana meno
anenge mapfumo nemiseve,
Uye rurimi rwavo munondo unopinza.
5Imi mukudzwe Mwari, pamusoro pokudenga-denga;
Kurumbidzwa kwenyu ngakuve
kumusoro kwapasi pose.
6Vakateyira tsoka dzangu mumbure;
Mweya wangu wakakotamiswa;
Vakachera hunza pamberi pangu;
Vawira mukati mayo vamene.
7Mwoyo wangu wakasimba, Mwari,
mwoyo wangu wakasimba;
Ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba
nziyo dzokurumbidza.
8Muka iwe mwoyo wangu, muka iwe
mutengeranwa nembira;
Ini ndimene ndichamuka mangwanani.
9Ndichakuvongai, Ishe, pakati pendudzi dzavanhu;
Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati pavahedheni.
10Nokuti ngoni dzenyu ihuru kusvikira kudenga-denga,
Zvokwadi yenyu inosvikira kudenga rose.
11Imi mukudzwe Mwari, kumusoro
kwokudenga-denga;
Kurumbidzwa kwenyu ngakuve
kumusoro kwapasi pose.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 57: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002