Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 42:1-5

Mapisarema 42:1-5 SNA2002

Senondo inotakwairira hova dzemvura, Saizvozvo mweya wangu unokutakwairirai imi Mwari. Mweya wangu une nyota kuna Mwari, iye Mwari mupenyu, Ndichasvika riniko ndionekwe naMwari? Misodzi yangu zvakanga zviri zvokudya zvangu masikati nousiku, Pakutaura kwavo zuva rose kwandiri vachiti, “Mwari wako aripiko?” Ndinorangarira zvinhu izvi, ndichidurura mweya wangu mukati mangu, Zvokuti ndaienda navazhinji, ndichivatungamirira kuimba yaMwari Nezwi rokufara nokurumbidza, tiri vazhinji vaitamba mutambo. Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Nokuda kwokuponesa kwechiso chake.