Ndakatsvaka Jehovha, akandipindura, Akandisunungura pakutya kwangu kwose. Vakatarira kwaari, vakapenyeswa nomufaro; Zviso zvavo hazvingatongonyadziswi. Murombo uyu akachema, Jehovha akamunzwa, Akamuponesa panjodzi dzake dzose. Mutumwa waJehovha anokomberedza vanomutya, Nokuvarwira. Ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka; Akakomborerwa munhu anovimba naye. Ityai Jehovha, imi vatsvene vake; Nokuti vanomutya havana chavanoshaiwa. Vana veshumba vanoshaiwa, vanofa nenzara; Asi vanotsvaka Jehovha havana chinhu chakanaka chavangashaiwa. Uyai imi vana, munditeerere; Ndichakudzidzisai kutya Jehovha.
Verenga chikamu Mapisarema 34
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 34:4-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo