Isu kwete, Jehovha, isu kwete, Asi zita renyu ngarikudzwe, Nokuda kwengoni dzenyu, uye nokuda kwokutendeka kwenyu. Vahedheni vachareverei, vachiti, “Ko Mwari wavo zvino uripi?” Asi Mwari wedu ari kudenga-denga; Akaita zvose zvaakada. Zvifananidzo zvavo sirivha nendarama, Basa ramaoko avanhu. Zvinemiromo, asi hazvitauri; Nameso zvinawo, asi hazvioni; Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Nemhino zvinadzo, asi hazvinhuwidzi; zvina maoko, asi hazvibati; Namakumbo zvinawo, asi hazvifambi; Hazvitauri napahuro pazvo. Ivo vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo. Iwe Isiraeri, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo. Iwe imba yaAroni, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo. Imi munotya Jehovha, vimbai naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo. Jehovha akatirangarira; iye achatiropafadza; Acharopafadza imba yaIsiraeri; Acharopafadza imba yaAroni. Acharopafadza vanotya Jehovha, Vaduku navakuru vose. Jehovha acharamba achikuwanzai, Imi navana venyu. Imi makaropafadzwa naJehovha, Iye akaita kudenga napasi. Kudenga-denga ndiko kudenga-denga kwaJehovha; Asi pasi akapa vanakomana vavanhu. Vakafa havarumbidzi Jehovha, Kunyange ani naani anoburukira kwakanyarara; Asi isu hedu tichakudza Jehovha Kubva panguva ino kusvika pakusingaperi. Hareruya!
Verenga chikamu Mapisarema 115
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 115:1-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo