Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 6:20-27

Zvirevo 6:20-27 SNA2002

Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako. Uzvisungire nguva dzose pamwoyo wako; Uzvishonge pamutsipa wako. Kana uchifamba, zvichakutungamirira; Kana uchivata pasi, zvichakurinda; Kana womuka, zvichataurirana newe. Nokuti murayiro ndiwo mwenje; murau ndicho chiedza; Kuraira kwokurairirwa inzira youpenyu; Kuti uchengetwe pamukadzi wakaipa, Pakubata kumeso kworurimi rwomutorwa. Usachiva kunaka kwake mumwoyo mako; Arege kukubata namafungiro ameso ake. Nokuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimedu bedzi chechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha. Ko munhu ungaisa moto muchipfuva chake, Nguo dzake dzikasatsva here?

Verenga chikamu Zvirevo 6