Mashoko amambo Remueri; zvirevo zvaakadzidziswa namai vake. “Nhai, mwanakomana wangu! Nhai, mwanakomana wemhiko dzangu! Rega kupa vakadzi simba rako, Nenzira dzako kune zvinoparadza madzimambo. Iwe Remueri, hazvifaniri madzimambo, hazvifaniri madzimambo kunwa waini; Namachinda kuti, ‘Doro riripiko?’ Varege kunwa, vachizokanganwa murayiro, Varege kukanganisa kururamisira vamwe vanotambudzika. Ipai anoda kuparara doro, Neano mwoyo unorwadza waini; Ngaanwe, akanganwe urombo hwake, Arege kucharangarira kutambudzika kwake.
Verenga chikamu Zvirevo 31
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 31:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo