Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 2:1-10

Zvirevo 2:1-10 SNA2002

Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, Nokuchengeta mirairo yangu kwauri; Kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, Nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise; Kana ukachemera kunzwisisa, Ukadanidzira nezwi rako kuti uwane njere; Zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, Ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; Ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, Nokuwana zivo yaMwari. Nokuti Jehovha ndiye anopa uchenjeri; Mumuromo make munobuda zivo nenjere, Unovigira vakarurama uchenjeri chaihwo; Ndiye nhoo yavanofamba muzvokwadi; Nokuti anorinda makwara okururamisa, Nokuchengeta nzira yavatsvene vake. Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka. Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, Zivo ichafadza mweya wako

Verenga chikamu Zvirevo 2