Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 17:1-14

Zvirevo 17:1-14 SNA2002

Chimedurwa chakaoma chechingwa norugare, Chinopfuura imba izere nezvakabayiwa nokukakavara. Muranda, anoita nouchenjeri, angaraira mwanakomana anonyadzisa, Achidya nhaka pamwechete navana. Hari yokunyausa ndeyesirivha, nevhira nderendarama; Asi Jehovha anoidza mwoyo yavanhu. Munhu, anoita zvakaipa, anoteerera miromo yakaipa; Murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi rwakashata. Ani naani anoseka murombo, anozvidza Muiti wake; Anofara pamusoro penjodzi yavamwe, haangakoni kurohwa. Vazukuru ikorona yavatana; Kukudzwa kwavana ndiwo madzibaba avo. Kutaura kwamanyawi hakufaniri benzi; Zvikuru kutaura kune nhema hakufaniri muchinda. Fufuro yakaita sebwe rinokosha kana ichitarirwa nomwene wayo; Pose painoringira inofadza. Munhu anofukidza kudarika kwomumwe, anotsvaka rudo; Asi anoramba achimutsa shoko, anoparadzanisa shamwari dzinodana. Munhu ane njere anobayiwa nokutukwa Kupfuura benzi nokurohwa rune zana. Munhu ano mwoyo wokumukira anongotsvaka zvakaipa; Asi achatumirwa nhume ino mwoyo mukukutu. Zviri nani kuti munhu asangane nechikara chatorerwa vana, Pakuti asangane nebenzi paupenzi hwaro. Ani naani anoripidzira zvakanaka nezvakaipa, Zvakaipa hazvingabvi paimba yake. Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura; Saka rega rukave, kurwa kusati kwasvika.

Verenga chikamu Zvirevo 17