Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 3:7-10

VaFiripi 3:7-10 SNA2002

Asi izvozvo, zvaiva pfuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuda kwaKristu. Hongu, zvirokwazvo, ndinototi zvinhu zvose kurashikirwa hako nokuda kwokunaka kwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake, ndikazviedza marara, kuti ndiwane Kristu; ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kuri kwomurayiro, asi kuri kwokutenda kuna Kristu, ndiko kururama kunobva kuna Mwari nenzira yokutenda; kuti ndimuzive iye, nesimba rokumuka kwake, nokusangana naye pamadambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake

Verenga chikamu VaFiripi 3