Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 2:1-7

VaFiripi 2:1-7 SNA2002

Zvino kana kuvaraidzwa kuripo kuna Kristu, kana kunyaradza kworudo, kana kuyanana kwoMweya, kana mwoyo munyoro nokunzwira tsitsi, zadzisai mufaro wangu, muve nokufunga kumwe, muchiva norudo rumwe, nomweya mumwe, nendangariro imwe, musingaiti chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomwoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuura iye pakunaka; mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire vamwewo. Ivai nomwoyo uyo, wakanga uri muna Kristu Jesuo; iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndochinhu chinofanira kubatisiswa; asi wakazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana navanhu

Verenga chikamu VaFiripi 2