Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 22:32-41

Numeri 22:32-41 SNA2002

Mutumwa waJehovha akati kwaari, “Warovereiko mbongoro yako zvino katatu? Tarira, ini ndimene ndabuda kuzokudzivisa, nokuti nzira yako inovavarira kune zvakaipa pamberi pangu. Mbongoro yakandiona, ikatsauka pamberi pangu katatu; dai isina kutsauka pamberi pangu, zvirokwazvo ndingadai ndakuuraya iwe, ndikairaramisa iyo.” Ipapo Bharamu akati kumutumwa waJehovha, “Ndatadza, nokuti ndakanga ndisingazivi kuti ndiwe wakanga umire munzira uchindidzivisa; naizvozvo zvino, kana usingafari nazvo, ndichadzoka hangu.” Mutumwa waJehovha akati kuna Bharamu, “Enda hako navarume ava, asi shoko roga randichataura kwauri, ndiro raunofanira kutaura.” Naizvozvo Bharamu akaenda namachinda aBharaki. Zvino Bharaki akati anzwa kuti Bharamu asvika, akabuda kundosangana naye paIri‐moabhu riri pamuganhu weArinoni, pamugumo wenyika. Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, “Ko handina kutuma nhume kwauri nomwoyo wose, ndichikudana here? Wakaregereiko kuuya kwandiri? Ko handigoni kukukudza here?” Bharamu akati kuna Bharaki, “Tarira, ndauya kwauri; ko ini ndine simba rokutaura chinhu here? Shoko rinoiswa mumuromo mangu naMwari, ndiro randichataura.” Zvino Bharamu akaenda naBharaki, akasvika paKiriati‐huzoti. Bharaki akabaya nzombe namakwai, akazvitumira kuna Bharamu namachinda akanga anaye. Zvino mangwanani Bharaki akatora Bharamu, akamukwidza panzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, akaona, aripo, vanhu vokumudzivo.

Verenga chikamu Numeri 22