Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 11:4-23

Numeri 11:4-23 SNA2002

Zvino vatorwa vazhinji, vakanga vari pakati pavo, vakatanga kufa nenhomba yenyama; navana vaIsiraeri vakachemawo, vakati, “Ndianiko achatipa nyama kuti tidye? Tinorangarira hove dzataidya Ijipiti, tisingatengi, namakeke, namanwiwa, nerikisi, nehanyanisi, negariki. Asi zvino mweya yedu yaoma, hapana zvokudya chose, hapana chinhu chatinoona, asi mana iyi bedzi.” Mana yakanga yakafanana nembeu dzekorianderi, yakanga yakaita sebhedharo. Vanhu vaipararira kundoinonga, vakaikuya pamakuyo, kana kuitswa mumaturi, nokuibika muhari, nokuita zvingwa zviduku nayo; kana yodyiwa yakaita sezvingwa zvakabikwa namafuta. Kana dova richiwira pamisasa usiku, mana yakawawo pamwechete naro. Zvino Mosesi akanzwa vanhu vachichema padzimba dzavo dzose, mumwe nomumwe pamukova wetende rake; Jehovha akatsamwa kwazvo; naiye Mosesi akanga asingafari. Mosesi akati kuna Jehovha, “Makaitireiko muranda wenyu zvakaipa? Ndakaregereiko kunzwirwa nyasha nemi, zvamakanditakudza mutoro wavanhu ava vose? Ko ndini ndakagamuchira vanhu ava vose here? Ko ndini ndakavabereka here, zvamunoti kwandiri, ‘Uvatakure pachipfuva chako, somureri anotakura mwana anomwa, uvaise kunyika yamakapikira madzibaba avo?’ Ndichawanepiko nyama yandingapa vanhu ava vose? Nokuti vanondichemera, vachiti, ‘Tipe nyama, tidye.’ Handigoni kutakura vanhu ava vose ndoga, nokuti zvinondiremera kwazvo. Kana muchida kundiitira saizvozvo, chindiurayai henyu kamwe, kana ndanzwirwa nyasha nemi; ndirege hangu kuona urombo hwangu.” Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Unganidza kwandiri varume vana makumi manomwe vavakuru vaIsiraeri, vaunoziva kuti vakuru vavanhu, navatariri vavo, uuye navo patende rokusangana, kuti vamirepo newe. Ipapo ndichaburuka, nditaure newe ipapo; zvino ndichatora pamweya uri pamusoro pako, ndikauisa pamusoro pavo; ivo vachatakura mutoro wavanhu pamwechete newe, kuti urege kuutakura iwe woga. Zvino iwe uti kuvanhu, ‘Zvinatsirei mangwana, nokuti muchadya nyama; nokuti makachema munzeve dzaJehovha,’ muchiti, ‘Ndianiko uchatipa nyama, tidye? Nokuti takanga tichifara hedu Ijipiti.’ Naizvozvo Jehovha achakupai nyama, mudye. Hamungadyi zuva rimwe, kana mazuva maviri, kana mazuva mashanu, kana mazuva ane gumi, kana mazuva ana makumi maviri; asi mwedzi wose, kusvikira ichibuda kumhino dzenyu, ikakusemesai; nokuti makarasha Jehovha ari pakati penyu, mukachema pamberi pake, muchiti, ‘Takabudireiko Ijipiti?’ ” Zvino Mosesi akati, “Vanhu ava, vandiri pakati pavo, vanofamba namakumbo, vanosvika zviuru zvina mazana matanhatu, zvino moti: Ndichavapa nyama, vaidye mwedzi wose! Ko vachabayirwa makwai nemombe, kuti varingane here? Kana vangaunganidzirwa hove dzose dziri mugungwa, kuti varingane here?” Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Ko ruoko rwaJehovha rwakafupiswa here? Uchaona hako zvino kana shoko rangu richiitika kana risingaitiki.”

Verenga chikamu Numeri 11