Kana ruoko rwako ruchikugumbusa, urugure; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, pakuenda muGehena, mumoto usingadzimwi, una maoko maviri. [ Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.] Kana rutsoka rwako ruchikugumbusa, urugure; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uchikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri. [ Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.] Kana ziso rako richikugumbusa, urirase; zviri nani kwauri kuti upinde muushe hwedenga une ziso rimwe, pakukandirwa muGehena, una meso maviri. Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto. “Nokuti mumwe nomumwe acharungwa nomoto.
Verenga chikamu Mako 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mako 9:43-49
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo