Akabuda, akati kuna amai vake, “Ndichakumbireiko?” Vakati, “Musoro waJohani Mubhabhatidzi.”
Pakarepo akakurumidza kupinda kuna mambo, akakumbira achiti, “Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohani Mubhabhatidzi.”
Ipapo mambo akazvidya mwoyo kwazvo, asi akanga asingadi kumurambira nokuda kwokupika kwake, uye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya. Pakarepo mambo akatuma musoja, akaraira kuti auye nomusoro wake. Akaenda, akamugura musoro mujeri, akauya nomusoro wake mundiro, akaupa musikana, musikana ndokuupa mai vake.
Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakauya vakatora chitunha chake, vakachiviga mubwiro.
Zvino vapostori vakaunganira kuna Jesu, vakamuudza zvose zvavakanga vaita, nezvavakanga vadzidzisa. Akati kwavari, “Uyai imi muri moga tiende kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma;” nokuti kwakanga kuna vazhinji vaiuya navaienda, vakasava nenguva kunyange yokudya. Vakaenda negwa kunzvimbo isina vanhu vari voga.
Vanhu vakavaona vachienda, vazhinji vakamuziva, vakamhanyira vose ikoko, vachibva pamaguta ose, vakavatangira kusvika. Zvino akati achibuda muigwa, akaona vazhinji-zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakafanana namakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvizhinji. Zvino zuva roda kuvira, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Ino inzvimbo yerenje, zuva roda kuvira; vaendisei; kuti vaende kuruwa nemisha yakapoteredza, vandozvitengera zvokudya.”
Akapindura, akati kwavari, “Imi muvapei zvavangadya.” Vakati kwaari, “Tingaenda kundotenga zvingwa nemadhenari ana mazana maviri, tivape vadye here?”
Akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko? Endai mutarire.” Vakati vaziva, vakati, “Zvishanu, nehove mbiri.” Zvino akavarayira kuti vagarise vose pasi pauswa hunyoro vakaita mapoka-mapoka. Vakagara pasi vakaita mapoka-mapoka ane zana naana makumi mashanu. Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa vadzidzi vake, kuti vazviise pamberi pavo; nehove mbiri akadzigovera vose. Vakadya vose, vakaguta. Vakaunganidza zvimedu nezvehovewo, matengu ane gumi namaviri akazadzwa. Vakanga vadya zvingwa vaiva varume vane zviuru zvishanu.
Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde muigwa, vamutungamirire kuyambukira mhiri Bhetisaidha, iye achiendesa vanhu vazhinji. Akati aonekana navo, akaenda mugomo kundonyengetera. Ava madekwana igwa rakanga riri pakati pegungwa, iye ari oga panyika. Zvino akati achiona kuti vanotambudzika nokukwasva, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa, nenguva inenge seyechina yousiku, akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa; akada kupfuura. Zvino vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakati “Mudzimudzangara,” vakaridza mhere.
Nokuti vose vakamuona, vakakundiswa; akataura navo, akati kwavari, “Tsungai mwoyo, ndini, musatya.” Akakwira kwavari muigwa, mhepo ikanyarara; vakashamiswa kwazvo-kwazvo mumwoyo yavo. Nokuti vakanga vasati vanzwisisa shoko rezvingwa, nokuti mwoyo yavo yakanga iri mikukutu.
Vakati vayambukira mhiri, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira igwa pamhenderekedzo. Vakati vabuda muigwa, pakarepo vanhu vakamuziva, vakamhanyira munyika yose iyo, vakatanga kutakura vairwara panhoo dzavo, vakavaisa pavainzwa kuti ndiko kwaari. Pose paakapinda pamisha napamaguta, naparuwa vakaradzika vairwara padare, vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate kunyange mupendero wenguo dzake chete; vose vakamubata vakaporeswa.