Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 6:14-44

Mako 6:14-44 SNA2002

Zvino mambo Herodhi akazvinzwa, nokuti zita rake rakanga rakurumbira, akati, “Johani Mubhabhatidzi akamuka kuvakafa, saka masimba awa anobata maari.” Vamwe vakati, “NdiEria;” vamwe vakati, “Muporofita, akafanana nomumwe wavaporofita.” Asi Herodhi akati achizvinzwa, akati, “NdiJohani akamuka, uya wandakagura musoro.” Nokuti Herodhi akanga atuma vanhu, akabata Johani, akamusunga mujeri nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munun'una wake, nokuti akanga amuwana. Nokuti Johani akanga ati kuna Herodhi, “Hauna kutenderwa kuti uve nomukadzi womunun'una wako.” Herodhiasi akamuvenga, akada kumuuraya, akasagona; nokuti Herodhi akanga achitya Johani, achiziva kuti munhu akarurama, mutsvene, akamuchengeta zvakanaka. Akati amunzwa, akatambudzika kwazvo kunyangwe zvakadaro, aisafanira kumunzwa. Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhi nezuva rokupemberera kuberekwa kwake akaitira madzishe ake navakuru vezviuru zvamazana navakuru veGariria mutambo mukuru; zvino mwanasikana waHerodhiasi amene akapinda, akatamba, akafadza Herodhi navakanga vagere pakudya naye; mambo akati kumwanasikana, “Kumbira kwandiri chaunoda, ndikupe.” Akamupikira, achiti, “Chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu youshe hwangu.” Akabuda, akati kuna amai vake, “Ndichakumbireiko?” Vakati, “Musoro waJohani Mubhabhatidzi.” Pakarepo akakurumidza kupinda kuna mambo, akakumbira achiti, “Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohani Mubhabhatidzi.” Ipapo mambo akazvidya mwoyo kwazvo, asi akanga asingadi kumurambira nokuda kwokupika kwake, uye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya. Pakarepo mambo akatuma musoja, akaraira kuti auye nomusoro wake. Akaenda, akamugura musoro mujeri, akauya nomusoro wake mundiro, akaupa musikana, musikana ndokuupa mai vake. Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakauya vakatora chitunha chake, vakachiviga mubwiro. Zvino vapostori vakaunganira kuna Jesu, vakamuudza zvose zvavakanga vaita, nezvavakanga vadzidzisa. Akati kwavari, “Uyai imi muri moga tiende kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma;” nokuti kwakanga kuna vazhinji vaiuya navaienda, vakasava nenguva kunyange yokudya. Vakaenda negwa kunzvimbo isina vanhu vari voga. Vanhu vakavaona vachienda, vazhinji vakamuziva, vakamhanyira vose ikoko, vachibva pamaguta ose, vakavatangira kusvika. Zvino akati achibuda muigwa, akaona vazhinji-zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakafanana namakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvizhinji. Zvino zuva roda kuvira, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Ino inzvimbo yerenje, zuva roda kuvira; vaendisei; kuti vaende kuruwa nemisha yakapoteredza, vandozvitengera zvokudya.” Akapindura, akati kwavari, “Imi muvapei zvavangadya.” Vakati kwaari, “Tingaenda kundotenga zvingwa nemadhenari ana mazana maviri, tivape vadye here?” Akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko? Endai mutarire.” Vakati vaziva, vakati, “Zvishanu, nehove mbiri.” Zvino akavarayira kuti vagarise vose pasi pauswa hunyoro vakaita mapoka-mapoka. Vakagara pasi vakaita mapoka-mapoka ane zana naana makumi mashanu. Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa vadzidzi vake, kuti vazviise pamberi pavo; nehove mbiri akadzigovera vose. Vakadya vose, vakaguta. Vakaunganidza zvimedu nezvehovewo, matengu ane gumi namaviri akazadzwa. Vakanga vadya zvingwa vaiva varume vane zviuru zvishanu.

Verenga chikamu Mako 6