Zvino akatangazve kudzidzisa pagungwa; vanhu vazhinji-zhinji vakaunganira kwaari, nokudaro akapinda muigwa, akagaramo; vazhinji vose vakanga vari pedyo negungwa pamhenderekedzo. Akavadzidzisa zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari pakudzidzisa kwake, “Teererai, Mukushi akabuda kundokusha. Akati achikusha, dzimwe mbeu dzakawira panzira; shiri dzikauya dzikadzidya. Dzimwe dzakawira parukangarabwe, padzakanga dzisina ivhu zhinji; dzikamera pakarepo, nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika; asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa; dzikaoma, nokuti dzakanga dzisina mudzi. “Dzimwe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivhunga, dzikasaita vana. Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikaita vana, nokuti dzakakura, dzikawanza; dzikabereka makumi matatu, namakumi matanhatu, nezana.” Akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
Verenga chikamu Mako 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mako 4:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo