Vadzidzi vaJohani navaFarisi vakanga vachizvinyima zvokudya; vakauya vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisi vanozvinyimireiko zvokudya, asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?” Jesu akati kwavari, “Shamwari dzemuwani dzingazvinyima zvokudya seiko achiri kwavari? Havangazvinyimi zvokudya muwani achiri kwavari. “Asi mazuva achasvika, achazobviswa muwani kwavari; zvino nenguva iyo vachazvinyima zvokudya. “Hakuna munhu anosonera chiremo chitsva panguo yakasakara, nokuti chiremo chitsva chinobvarura nguo yakasakara, buri rikanyanya. “Hakuna munhu anodira waini itsva muhombodo tsaru; nokuti waini inoparusa hombodo, waini nehombodo zvikafa; asi waini itsva inodirwa muhombodo itsva.” Kwakati nomusi weSabata, achifamba napakati peminda, vadzidzi vake vakatanga kupurura hura vachifamba. VaFarisi vakati kwaari, “Tarirai, vanoitireiko zvisina kutenderwa nomusi weSabata?” Akati kwavari, “Hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga ashaiwa zvokudya, aziya, iye navakanga vanaye? Kuti akapinda mumba maMwari, Abhiatari ari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvokuratidza Mwari zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa, asi navapristi voga, akapawo vaiva naye?” Akati kwavari, “Sabata yakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa Sabata; naizvozvo Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabatawo.”
Verenga chikamu Mako 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mako 2:18-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo