Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 2:1-8

Mako 2:1-8 SNA2002

Kwakati mazuva apfuura, akapindazve Kapenaume; vanhu vakanzwa kuti ari mumba. Vazhinji vakaungana nokudaro vakashaiwa nzvimbo, kunyange pamusuo; akavataurira shoko. Vakauya vakaisa kwaari munhu akanga akafa mitezo, akatakurwa navanhu vana. Zvino vakati vasingagoni kuswedera kwaari nokuda kwavazhinji, vakazarura denga paakanga ari; vakati variputsa, vakaburusa nhoo, pakanga pavete munhu akanga akafa mitezo; Jesu akati achiona kutenda kwavo, akati kunoakanga akafa mitezo, “Mwana, waregererwa zvivi zvako.” Zvino vamwe vanyori vakanga vegeremo, vakafunga mumwoyo yavo, vachiti, “Uyu anorevereiko kudaro? Anoshonha Mwari; ndianiko anogona kuregerera zvivi, asi mumwechete, ndiye Mwari?” Pakarepo Jesu achiziva mumweya make kuti vanofunga kudaro mumwoyo yavo, akati kwavari, “Munofungireiko zvinhu izvi mumwoyo yenyu?

Verenga chikamu Mako 2