Zvino vakamanikidza mumwe, akanga achipfuura achibva kuruwa, ainzi Simoni weKurini, baba vaArekizanda naRufosi, kuti atakure muchinjikwa wake.
Vakamuisa kunzvimbo inonzi, Gorogota, ndokuti, “Nzvimbo yeDehenya,” kana zvichishandurwa. Vakamupa waini, yakavhenganiswa nemura, asi iye akazviramba. Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo, kuti mumwe nomumwe apiwe chake. Yakanga iri nguva yechitatu, vakamurovera pamuchinjikwa.
Norugwaro rwemhosva yake rwakanga rwakanyorwa pamusoro pake, ruchiti, “MAMBO WAVAJUDHA.” Vakarovera pamuchinjikwa pamwechete naye makororo maviri, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe. [ Rugwaro rukaitika, runoti, “Akarovererwa navadariki vomurayiro.”]
Navaipfuura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti, “Iwe, wokuputsa temberi, nokuivakazve namazuva matatu, chizviponesa iwe, uburuke pamuchinjikwa!”
Saizvozvo vapristi vakuru navanyori vakamuseka pakati pavo, vachiti, “Akaponesa vamwe, zvino haagoni kuzviponesa. Kristu, Mambo wavaIsiraeri, ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, kuti tione titende.” Navakanga varoverwa pamwechete naye vakamuzvidza.
Zvino yakati yava nguva yechitanhatu, rima rikavapo panyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe. Nenguva yepfumbamwe Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Eroi, Eroi, rama Sabhakitani!” Ndokuti kana zvichishandurwa, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?”
Vamwe vakanga vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati, “Chinzwai, anodana Eria.” Ipapo mumwe akamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, achiisa parutsanga, ndokumunwisa, achiti, “Regai timboona kana Eria achizouya kumuburusa.” Ipapo Jesu akadana nezwi guru, ndokubva afa.
Chidzitiro chetemberi chikabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Zvino mukuru wezana akanga amirepo, akatarisana naye, akati achiona mutowo wokufa kwake, akati, “Zvirokwazvo, munhu uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.”