Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 14:12-42

Mako 14:12-42 SNA2002

Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, musi wavaibayira Pasika nawo, vadzidzi vakati kwaari, “Munoda kuti tikugadzirirepiko pamungadya Pasika?” Akatuma vadzidzi vake vaviri, akati kwavari, “Endai muguta, ipapo muchasangana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye. “Paanenge achipinda, muti kumuridzi weimba, ‘Zvanzi nomudzidzisi, imba yangu yavaeni iripiko, mandingadyire Pasika navadzidzi vangu?’ Ipapo iye achakutaridzai imba huru yokumusoro, yakarongedzwa, yakagadzirwa; mutigadzirirepo.” Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakandowana sezvavakanga vaudzwa naye; vakagadzira Pasika. Ava madekwana, akauya navane gumi navaviri. Zvino vakati vagere pakudya, Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira, iye anodya neni.” Ipapo vakatanga kuva neshungu, mumwe nomumwe akati kwaari, “Ndini here?” Akati kwavari, “Ndomumwe wavane gumi navaviri, anoisa ruoko neni mundiro. Nokuti Mwanakomana womunhu anoenda hake, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, Mwanakomana womunhu waanopandukirwa naye; kwaiva nani kumunhu uyu dai asina kuberekwa.” Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akavonga, akachimedura, ndokuvapa, achiti, “Gamuchirai, ichi uyu muviri wangu.” Akatora mukombe, akavonga, akavapa, vakanwa vose pauri. Akati kwavari, “Ichi iropa rangu rechitenderano itsva, rinodururirwa vazhinji. “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, handichazonwizve muchero womudzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro, zvava zvitsva, muushe hwaMwari.” Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda, vakaenda kugomo reMiorivhi. Zvino Jesu akati kwavari, “Imi mose muchagumburwa kwandiri, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Ndicharova mufudzi, namakwai achaparadzwa.’ Asi kana ndamutswa, ndichakutungamirirai Gariria.” Zvino Petirosi akati kwaari, “Kunyange vose vakagumburwa, ini kwete.” Jesu akati kwaari, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti nhasi, usiku huno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.” Asi iye akareva nokusimbisa, achiti, “Kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambii.” Navose vakadarowo. Zvino vakasvika panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichindonyengetera.” Akatora Petirosi naJakobho naJohani, akatanga kuvhunduka kwazvo nokudumbirwa. Akati kwavari, “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde.” Akapfuura mberi zvishoma, akawira pasi akanyengetera kuti, kana zvichibvira, nguva ipfuure kwaari. Akati, “Baba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kuda kwenyu.” Zvino akasvika, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Simoni, uvete here? Wakanga usingagoni kurinda nguva imwechete here? Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuedzwa; mweya unoda hawo, asi nyama haine simba.” Akaendazve, akanyengetera achireva mashoko iwayo. Akaendazve, akavawana vavata, nokuti meso avo akanga abatwa nehope kwazvo; vakasaziva zvavangamupindura. Akaendazve rwechitatu, akati kwavari, “Chivatai henyu, muzorore; zvaringana, nguva yasvika, tarirai, Mwanakomana womunhu woiswa mumaoko avatadzi. Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari wava pedyo.”

Verenga chikamu Mako 14