Akati apinda Kapenaume, mumwe mukuru wezana akauya kwaari, akakumbira zvikuru kwaari, achiti, “Ishe, muranda wangu avete kumba, akafa mitezo, asi anotambudzika kwazvo.” Akati kwaari, “Ndichauya kuzomuporesa.” Mukuru wezana akapindura, akati, “Ishe, handina kufanirwa kuti mupinde mumba mangu; asi taurai henyu shoko rimwechete, muranda wangu achapora. Nokuti neniwo ndiri munhu anorayirwa, ndina varwi pasi pangu; ndinoti kunomumwe, ‘Enda!’ anoenda; kunomumwe, ‘Uya!’ anouya; nokumuranda wangu, ‘Ita chichi!’ anochiita.” Jesu, akati achinzwa izvozvo, akashamiswa, akati kunavakanga vachitevera, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, “Handina kumboona kutenda kwakadai, kunyange napakati pavaIsiraeri.
Verenga chikamu Mateu 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 8:5-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo