Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 6:26-30

Mateu 6:26-30 SNA2002

Tarirai shiri dzokudenga, hadzidyari, hadzikohwi, hadzitutiri mumatura; asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuuri zvikuru here? Ndianiko kwamuri angawedzera kubhiti rimwe paurefu hwake nokufunganya? “Munofunganyireiko pamusoro pezvokupfeka? Fungai maruva ebundo, kumera kwawo; haabati basa, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kuti kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo. “Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwebundo, huripo nhasi, huchikandirwa muchoto mangwana, haangakupfekedze nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here?

Verenga chikamu Mateu 6