Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 26:14-46

Mateu 26:14-46 SNA2002

Zvino mumwe wavane gumi navaviri, wainzi Judhasi Isikarioti, akaenda kuvapristi vakuru, akati, “Muchandipeiko, kana ndikamuisa kwamuri?” Vakamutemera makumi matatu emari yesirivha. Zvino kubva ipapo akatsvaka nguva yakafanira yokumuisa kwavari nayo. Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko pamungadya Pasika?” Akati, “Endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari, ‘Zvanzi noMudzidzisi, nguva yangu yava pedyo; ndichadya Pasika paimba yako, navadzidzi vangu.’ ” Vadzidzi vakaita pavakarayirwa napo naJesu, vakagadzira Pasika. Ava madekwana, akagara pakudya navadzidzi vane gumi navaviri. Vakati vachidya, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira.” Zvino vakava neshungu kwazvo, vakatanga mumwe nomumwe kutaura kwaari, achiti, “Ishe, ndini here?” Akapindura, akati, “Waisa ruoko neni mundiro, ndiye achandipandukira. Mwanakomana womunhu achaenda hake, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, anouyisa Mwanakomana womunhu kuvavengi vake, zvaiva nani kumunhu uyu dai asina kuberekwa.” Zvino Judhasi, uyo akamupandukira, akapindura, akati, “Rabhi, ndini here?” Akati kwaari, “Ndizvo zvawataura.” Vakati vodya, Jesu akatora chingwa, akavonga, akachimedura, ndokupa vadzidzi vake, achiti kwavari, “Gamuchirai, mudye; uyu muviri wangu.” Akatora mukombe, akavonga, akavapa, achiti, “Inwai mose pauri.” “Nokuti iri iropa rangu rechitenderano chitsva, rakadururirwa vazhinji kuti varegererwe zvivi.” Asi ndinoti kwamuri, “Handichatongonwizve zvibereko zvomudzambiringa, kusvikira zuva iro randachizonwa naro nemi, zvava zvitsva, muushe hwaBaba vangu.” Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi. Zvino Jesu akati kwavari, “Imi mose muchagumburwa neni usiku huno; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Ndicharova mufudzi, namakwai eboka achaparadzwa.’ Asi kana ndamutswa, ndichakutungamirirai Gariria.” Zvino Petirosi akapindura, akati kwaari, “Kana vose vakagumburwa nemi, ini handingatongogumburwi.” Jesu akati kwaari, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti usiku huno, jongwe risati rakukuridza, uchandiramba katatu.” Petirosi akati kwaari, “Kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambi ini.” Vadzidzi vose vakadarowo. Zvino Jesu akasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi, “Garai pano, ini ndichaenda kundonyengetera uko.” Akatora Petirosi navanakomana vaZebhedhi vaviri, akatanga kuva neshungu nokudumbirwa. Akati kwavari, “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde neni.” Akapfuura mberi zvishomanene, akawira pasi nechiso chake, akanyengetera, achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri; kunyange zvakadaro kurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.” Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Makanga musingagoni seiko kurinda neni awa imwechete? Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuedzwa; mweya unoda hawo, asi nyama haina simba.” Akaendazve rwechipiri, akanyengetera, achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura ndisingaunwi, kuda kwenyu ngakuitwe.” Akaendazve, akavawana vavata; nokuti meso avo akanga abatwa nehope. Akavasiyazve, akandonyengetera rwechitatu, achitaurazve mashoko iwayo. Zvino akaenda kuvadzidzi, akati kwavari, “Chivatai henyu, muzorore; tarirai, nguva yasvika, Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avatadzi. Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari wava pedyo.”

Verenga chikamu Mateu 26