Zvino Jesu akapindura, akataurazve navo nemifananidzo, akati, “Ushe hwedenga hungafananidzwa nomumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wokuchata; akatuma varanda vake kundodana avo vakanga vakokerwa kumutambo wokuchata; vakaramba kuuya. Akatumazve vamwe varanda, akati, ‘Udzai vakakokwa, muti, tarirai, ndagadzira mabiko angu; nzombe dzangu nezvakakora zvangu zvabayiwa, zvinhu zvose zvagadzirwa; uyai kumutambo wokuchata.’ Asi havana kurangarira, vakaenda, mumwe kumunda wake, mumwe kukutengesa kwake; vamwe vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavauraya. Zvino mambo akatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza vaya vakauraya, varanda vake akapisa guta ravo.
“Zvino akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wokuchata wakagadzirwa, asi vakanga vakokerwa vakanga vasina kufanirwa. Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo vose vamuNowana.’ Varanda ivavo vakaenda kunzira, vakaunganidza vose vavakawana, vakaipa navakanaka; imba yomuchato ikazara navagere pakudya.
“Zvino mambo akati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona munhu asina kupfeka nguo yomuchato; akati kwaari, ‘Shamwari, wapinda pano seiko, usina nguo yomuchato?’ ” Akanyarara.
Zvino mambo akati kuvaranda, “Musungei makumbo namaoko, mumukandirei kunze murima; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.” “Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vakasanangurwa vashoma.”
Zvino vaFarisi vakaenda kundorangana kuti vangamubata sei pakutaura kwake. Vakatuma kwaari vadzidzi vavo navaHerodhi, vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wechokwadi, munodzidzisa nzira yaMwari nechokwadi, musingarangariri zvinoonekwa zvomunhu; nokuti hamutariri zviri kunze kwomunhu. Zvino tiudzei, munofungeiko? Munhu anotenderwa kutera mutero waKesari here, kana kwete?”
Asi Jesu akaziva kuipa kwavo, akati, “Munondiedzereiko, imi vanyengeri? Ndiratidzei mari yomutero.” Vakauya kwaari nedhenari. Zvino akati kwavari, “Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvaani?”
Vakati kwaari, “ZvaKesari.” Akati kwavari, “Naizvozvo, ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.”
Vakati vachinzwa izvozvo, vakashamiswa, vakamusiya, vakaenda.