Akati achipinda mutemberi, vapristi vakuru navakuru vavanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati, “Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani akakupai simba iri?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Neni ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzaiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.
“Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabvepiko? Kudenga kana kuvanhu here?” Vakataurirana vachiti, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ uchati kwatiri, ‘Makagoregerei kumutenda?’ Asi kana tikati, ‘Kuvanhu,’ tinotya vanhu vazhinji; nokuti vose vanoti, Johani muporofita.”
Vakapindura, vakati kuna Jesu, “Hatizivi.” Akati kwavari, “Neni handingakuudziyiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.
“Zvino munofungeiko? Mumwe munhu akanga ana vana vaviri; akaenda kuno wokutanga, akati, ‘Mwana, enda nhasi undoshanda mumunda wangu wemidzambiringa.’ Iye akapindura, akati, ‘Handidi;’ asi pashure akazvidya mwoyo, akaenda. Akaenda kuno wechipiri, akataura saizvozvo. Iye akapindura, akati, ‘Ndinoenda, ishe;’ akasaenda.
“Ndoupiko kunaivavo vaviri akaita kuda kwababa vake?” Vakati, “Wokutanga.” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vateresi nezvipfeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari. Nokuti Johani akauya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvipfeve vakamutenda. Imi makati muchiona izvozvo, hamuna kuzopinduka mukamutenda.
“Inzwai mumwe mufananidzo, kwaiva nomunhu aivapo, saimba, akasima munda wake wemidzambiringa; akaukomberedza noruzhowa, akachera guvi rokusvinira mauri, akavaka chirindo chirefu, akaupa varimi, ndokufamba rwendo.
“Nguva yemichero yakati yosvika, akatuma varanda vake kuvarimi, kundopiwa michero yake. Asi varimi vakabata varanda vake, vakarova mumwe, vakauraya mumwe, vakataka mumwe namabwe. Akatumazve vamwe varanda, vazhinji kukunda wokutanga; vakavaitira saizvozvo. Zvino pashure akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti, ‘Mwanakomana wangu vachava nehanya naye.’ Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye, titore nhaka yake.’ Zvino vakamubata vakamubudisa kunze kwomunda wemidzambiringa, vakamuuraya.
“Zvino kana tenzi womunda wemidzambiringa achizouya, achaiteiko navarimi ivavo?”
Vakati kwaari, “Achaparadza kwazvo vanhu avo vakaipa, akaisa vamwe varimi mumunda wemidzambiringa, vachazomupa michero nenguva yavo.”
Jesu akati kwavari, “Hamuna kutongorava here muMagwaro paye panoti:
‘Ibwe rakaraswa navavaki,
Ndiro rakazova musoro wekona;
Izvozvo zvakaitwa naIshe,
Zvinoshamisa pameso edu?’
“Naizvozvo ndinoti kwamuri, muchatorerwa imi ushe hwaMwari, hukapiwa vanhu vanobereka michero yahwo.
[ “Anowira pamusoro pebwe iri, achapwanyika asi richaparadza warinowira.]”
Vapristi vakuru navaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti anovareva ivo. Zvino vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu vazhinji, nokuti vakanga vachiti muporofita.