Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 15:1-9

Mateu 15:1-9 SNA2002

Zvino vaFarisi navanyori vakauya kuna Jesu vachibva Jerusaremu, vakati, “Vadzidzi venyu vanodarikireiko tsika dzavakuru, nokuti havashambe maoko kana vachidya zvokudya?” Akapindura, akati kwavari, “Nemiwo munodarikireiko murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu? “Nokuti Mwari wakati, ‘Kudza baba vako namai vako;’ uye, ‘Anotuka baba kana mai, ngaafe norufu.’ Asi imi munoti, ani naani anoti kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri, chava chipo kuna Mwari,’ haachakudzi baba vake kana mai vake, asi haane mhosva. Makatorera murayiro waMwari simba netsika dzenyu. Imi vanyengeri, Isaya akaporofita kwazvo pamusoro penyu, achiti, ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, Asi mwoyo yavo iri kure neni. Asi vanondinamata pasina, Vachidzidzisa dzidziso nemirairo yavanhu.’ ”

Verenga chikamu Mateu 15