Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 14:22-36

Mateu 14:22-36 SNA2002

Pakarepo wakagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde muigwa, vamutungamirire mhiri, iye ndokusara kuendesa vanhu vazhinji. Zvino akati aendesa vanhu vazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera; ava madekwana akanga aripo ari oga. Asi igwa zvino rakanga rava pakati pegungwa, richitambudzika namafungu, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa. Nenguva yechina yousiku akauya kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka, vachiti, “Madzimudzangara,” vakaridza mhere nokutya. Pakarepo Jesu akataura navo, akati, “Tsungai mwoyo ndini, musatya.” Zvino Petirosi akamupindura, akati, “Ishe, kana murimi, ndiraire kuti ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.” Iye akati, “Uya!” Petirosi akaburuka muigwa, akafamba pamusoro pemvura, akaenda kuna Jesu. Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya; zvino akati otanga kunyura, akadanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!” Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari, “Iwe unokutenda kuduku, wakona kutenda neiko?” Vakati vapinda muigwa, mhepo ikanyarara. Ipapo vakanga vari muigwa vakamupfugamira, vachiti, “Zvirokwazvo, ndimi Mwanakomana waMwari!” Vakati vayambukira mhiri, vakasvika panyika yeGenesareti. Varume venzvimbo iyo vakamuziva, vakatuma shoko panyika yose iyo yakapoteredza; vakauya kwaari navose vairwara; vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate chete mupendero wenguo yake; vose vakabata vakaporeswa.

Verenga chikamu Mateu 14