Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 13:24-32

Mateu 13:24-32 SNA2002

Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hunofanidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make. Asi vanhu vavete, muvengi wake akauya, akakusha masawi pakati pezviyo, akaenda. Asi chipande chakati chamera nokubereka, zvino masawi akaonekwawo. Zvino varanda vomuridzi weimba vakauya, vakati kwaari, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko masawi?’ Akati kwavari, ‘Munhu anondivenga aita izvozvo.’ Varanda vakati kwaari, ‘Ko munoda kuti tindoaunganidza here?’ Akati, ‘Kwete, zvimwe kana muchiunganidza masawi, mungadzura nezviyowo.’ “Regai zvikure zvose zviri zviviri kusvikira pakucheka; nenguva yokucheka ndichati kuvacheki, ‘Tangai kuunganidza masawi, muasunge zvimwanda kuti apiswe, asi mututire zviyo mudura rangu.’ ” Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hwakafanana netsanga yembeu yemasitadhi, yakatorwa nomunhu, akaidyara mumunda make; iyo iduku kumbeu dzose, asi kana yakura, ihuru pamiriwo yose, inoita muti wakakura ukadaro kuti shiri dzedenga dzinouya, dzichigara mumatavi awo.”

Verenga chikamu Mateu 13