“Tarirai, ndinokutumai samakwai pakati pamapere; saka chenjerai senyoka, mururame senjiva. Asi chenjerai vanhu, nokuti vachakuisai kumatare amakurukota, nokukurovai zvikuru mumasinagoge avo. Muchaiswawo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, muve zvapupu kwavari nokuvahedheni. Asi kana vachikuisai, musafunganya muchiti, muchataura sei, kana tichataurei, nokuti muchapiwa nenguva iyo zvamunofanira kutaura.
“Nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya waBaba venyu anotaura mukati menyu.
“Mukoma achaisa munun'una parufu, nababa mwana wavo; vana vachamukira vabereki vavo nokuvaurayisa. Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvikira pakuguma, achaponeswa. Asi kana vachikutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hamungapedzi maguta avaIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati asvika.’
“Mudzidzi haakundi mudzidzisi wake, kana muranda ishe wake. Zvakaringanira mudzidzi kuti ave somudzidzisi wake, nomuranda ave sashe wake. Zvavakaidza mwene weimba Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake!
“Naizvozvo musavatya; nokuti hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazozaruwi; kana chakavanzika, chisingazobudi pachena. Zvandinokuudzai murima, taurai pachena; zvamunonzwa munzeve, paridzirai pamusoro pedzimba. Musatya vanouraya muviri, asi vasingagoni kuuraya mweya; zvikuru mutye uyo anogona kuuraya mweya nomuviri zvose muGehena. Ko shiri duku mbiri hadzitengeswi nehafu yepeni here? Asi imwe yazvo haingawiri pasi kunze kwababa venyu. Kana murimi, nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya; munopfuura shiri zhinji.
“Mumwe nomumwe achandipupura pamberi pavanhu, neni ndichamupupurawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
“Asi mumwe nomumwe anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.