Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 5:17-26

Ruka 5:17-26 SNA2002

Nerimwe ramazuva iwayo akanga achidzidzisa; vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vagerepo, vaibva kumisha yose yeGariria neJudhea neJerusaremu; simba raIshe rokuporesa rakanga rinaye. Zvino, tarira, vamwe varume vakanga vakatakura munhu akanga akafa mitezo, ari panhoo, vakatsvaka kupinda naye, nokumuisa pamberi pake. Zvino, vakati vachishayiwa pavangamupinza napo, nokuda kwavazhinji, vakakwira pamusoro peimba, vakamuburusira mukati nenhoo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu. Iye akati achiona kutenda kwavo, akati, “Murume, wakanganwirwa zvivi zvako.” Vanyori navaFarisi vakatanga kufunga, vachiti, “Ndianiko uyu anotaura achishonha Mwari? Ndianiko angakanganwira zvivi, asi Mwari oga?” Zvino Jesu, zvaaiziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari, “Munofungeiko mumwoyo yengu? Chiiko chakareruka, kuti, ‘Wakanganwirwa zvivi zvako,’ kana kuti, ‘Simuka, ufambe?’ “Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu anesimba panyika rokukanganwira zvivi, akati kune akafa mitezo, ‘Ndinoti kwauri, simuka, utore nhoo yako, uende kumba kwako.’ ” Akasimuka pakarepo pamberi pavo, akatora chaakanga avete pamusoro pacho, akaenda kumba kwake, achirumbidza Mwari. Vakashamiswa vose, vakarumbidza Mwari, vakatya kwazvo, vachiti, “Taona madambi nhasi!”

Verenga chikamu Ruka 5