Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 21:20-38

Ruka 21:20-38 SNA2002

“Zvino kana muchiona Jerusaremu rakombwa nehondo, zivai kuti roda kuparadzwa. Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari mukati maro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo. Nokuti iwayo ndiwo mazuva okutsiva, kuti zvose zvakanyorwa zviitike. Asi vachava nenhamo vane pamuviri navanoyamwisa namazuva iwayo, nokuti kutambudzika kukuru kuchavapo panyika, nokutsamwa pamusoro pavanhu ivavo. Vachaparadzwa nomunondo, nokutapwa kumarudzi ose; Jerusaremu richatsikwa navahedheni, kusvikira nguva dzavahedheni dzazadzika. “Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyeredzi; napanyika hurombo hwavanhu, vachikanganiswa nokutinhira kwegungwa namafungu; vanhu vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika; nokuti masimba okudenga achadengenyeka. Ipapo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya negore, nesimba nokubwinya kukuru. Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumusoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.” Zvino akavataurira mufananidzo, achiti, “Tarirai muonde nemiti yose. Kana yotunga, mukazviona, munoziva kuti zvino zhizha rava padyo. “Saizvozvo, nemiwo, kana moona izvozvo zvoitwa, zivai kuti ushe hwaMwari hwava padyo. “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri, kusvikira zvose zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri. “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokuraradza, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvoupenyu huno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva. Nokuti richawira vose vagere panyika yose. Asi rindai nenguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvi zvose zvinozoitwa, mugomira pamberi poMwanakomana womunhu.” Zvino aidzidzisa masikati mutemberi, asi usiku aibuda, akandovata mugomo rinonzi reMiorivhi. Vanhu vose vakauya kwaari mutemberi mangwanani, kuzomunzwa.

Verenga chikamu Ruka 21