Zvino namazuva iwayo chirevo chakaitwa naKesari Augusto, kuti nyika yose inyorwe mazita. Uku ndokwaiva kunyorwa kwokutanga, kwakaitwa Kuriniosi ari mubati weSiria. Vanhu vose vakaenda kundonyorwa, mumwe nomumwe kuguta rake.
NaJosefawo akabva Gariria, muguta reNazareta, akaenda Judhea, kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bheterehemu, nokuti aiva weimba yaDhavhidhi, noworudzi rwake; kuti anyorwe naMaria, wakanga arooorwa, ava napamuviri.
Zvino vakati varipo, mazuva okusununguka kwake akasvika; akasununguka dangwe rake mwanakomana, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti vakashaiwa nzvimbo mumba mavaeni.
Zvino kwakanga kuna vafudzi munyika iyo, vaigara kuhuragu vachirinda mapoka avo usiku. Mutumwa waIshe akamira navo, nokubwinya kwaIshe kukavakomba, vakatya nokutya kukuru. Ipapo mutumwa akati kwavari, “Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, uchava wavanhu vose; nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe. Ichi ndicho chiratidzo kwamuri, muchandowana mwana mucheche, akaputirwa nemicheka, avete muchidyiro chezvipfuwo.”
Ipapo kamwe-kamwe kukavapo pamwechete nomutumwa, vazhinji vehondo yokudenga, vachirumbidza Mwari, vachiti,
“Mwari ngaarumbidzwe kumusoro,
Norugare ngaruve navanhu vaanofarira.”
Zvino vatumwa vakati vabva kwavari, vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana, vachiti, “Ngatiende hedu Bheterehemu, tindoona chinhu ichi chakaitwa; chatakaziviswa naIshe.”
Ipapo vakakurumidza kuenda, vakawana Maria naJosefa, nomwana mucheche avete muchidyiro chezvipfuwo. Vakati vaona, vakazivisa kwose shoko ravakanga vaudzwa rezvomwana uyo. Vose vakanzwa vakashamiswa nezvavakaudzwa navafudzi. Asi Maria akachengeta mashoko iwayo ose, achifungisisa mumwoyo make.