Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 5:2-9

Joshua 5:2-9 SNA2002

Nenguva iyo Jehovha akati kuna Joshua, “Uzviitire mapanga amabwe anopinza, udzingisezve vana vaIsiraeri.” Joshua akazviitira mapanga amabwe anopinza, akadzingisa vana vaIsiraeri pachikomo chezvikanda zvapamberi. Joshua akavadzingisa nemhaka iyi, nokuti vanhurume vose vakanga vabuda Ijipiti, ivo varume vehondo, vakanga vafira panzira murenje pakubuda kwavo Ijipiti. Nokuti vanhu vose vakabuda Ijipiti vakanga vadzingiswa; asi vanhu vose vakanga vaponerwa murenje panzira pakubuda kwavo Ijipiti, vakanga vasina kudzingiswa. Nokuti vana vaIsiraeri vakafamba makore ana makumi mana murenje, kusvikira rudzi rwose, ivo varume vehondo vakanga vabuda Ijipiti, vaparadzwa, nokuti havana kuteerera izwi raJehovha; Jehovha akapika kwavari kuti haangavaonesi nyika, yaakanga apikira madzibaba avo, kuti uchatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka nouchi. Zvino vana vavo vaakanga amutsa panzvimbo yavo, ndivo vakadzingiswa naJoshua; nokuti vakanga vasina kudzingiswa, zvavakanga vasina kudzingiswa panzira. Zvino vakati vapedza kudzingisa rudzi rwose, vakagara pavakanga vari pamisasa kusvikira vapora. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndabvisa kwamuri kuzvidzwa kwamakazvidzwa nako navaIjipiti.” Naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Girigari, kusvikira nhasi.

Verenga chikamu Joshua 5