Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 42:10-11

Jobho 42:10-11 SNA2002

Jehovha akashandura kutapwa kwaJobho nguva yaakanyengeterera shamwari dzake; Jehovha akapa Jobho zvaakanga anazvo pakutanga kaviri. Ipapo vanun'una vake vose, nehanzvadzi dzake dzose, navazikani vake vose vaimuziva kare vakauya kwaari, vakadya zvokudya mumba make; vakamudemba nokumunyaradza pamusoro pezvakaipa zvose zvakanga zvauyiswa naJehovha pamusoro pake; munhu mumwe nomumwe akamupawo chimari, nomumwe nomumwe chindori chendarama.

Verenga chikamu Jobho 42