Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 9:13-33

Johani 9:13-33 SNA2002

Vakamuisa kuvaFarisi, iye akanga ari bofu kare. Zvino raiva Sabata zuva iro Jesu raakakanya dope naro, akasvinudza meso ake. Zvino vaFarisi vakamubvunzazve, kuti wakaoneswa sei. Akati kwavari, “Akaisa dope pameso pangu, ndikandoshamba, ndikaona.” Zvino vamwe vavaFarisi vakati, “Munhu uyu haasi waMwari, nokuti haachengeti Sabata.” Asi vamwe vakati, “Ko munhu mutadzi angaita seiko zviratidzo zvakadai?” Ipapo kupesana kwakamuka pakati pavo. Zvino vakatizve kubofu, “Iwe unoti kudiniko pamusoro pake, zvaakasvinudza meso ako?” Akati, “Muporofita.” Naizvozvo vaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti akanga ari bofu, akazoona, kusvikira vadana vabereki vowakaoneswa, vakavabvunza, vachiti, “Uyu ndiye mwanakomana wenyu, wamunoti akaberekwa riri bofu here? Zvino anogoona seiko?” Vabereki vake vakapindura, vakati, “Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti akaberekwa riri bofu; asi hatizivi kuti zvino woona sei; noakasvinudza meso ake, hatimuzivi; mubvunzei henyu; ayaruka, achazvirevera hake.” Vabereki vake vakareva izvozvo, nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana, kuti kana kuchinge kune munhu anotenda kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge. Naizvozvo vabereki vake vakati, “Ayaruka hake, mubvunzei henyu.” Zvino vakamudanazve rwechipiri, iye munhu akanga ari bofu, vakati kwaari, “Rumbidza Mwari; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.” Ipapo iye akapindura, akati, “Kana ari mutadzi ini handizivi; ndinoziva chinhu chimwe, kuti ndaiva bofu, zvino ndoona.” Ipapo vakati kwaari, “Akakuiteiko? Akasvinudza meso ako sei?” Akavapindura, akati, “Ndatokuudzai, mukasanzwa. Munoda kunzwazve nemhaka yeiko? Nemi munoda kuva vadzidzi vakewo kanhi?” Vakamunyomba, vachiti, “Iwe ndiwe mudzidzi wake, asi isu tiri vadzidzi vaMosesi. Tinoziva kuti Mwari wakataura naMosesi; asi uyu hatizivi kwaakabva.” Iye munhu akapindura, akati kwavari, “Nyambera chinhu ichi chinoshamisa, kuti imi hamuzivi kwaanobva, kunyange akasvinudza meso angu. Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu achishandira Mwari, achiita kuda kwake, anomunzwa iye. Kubvira pakutanga hakuna kumbonzwika, kuti mumwe akasvinudza meso omunhu, akaberekwa riri bofu. Dai uyu asati ari waMwari, haasaigona kuita chinhu.”

Verenga chikamu Johani 9