Zvino vakati vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari, “Rabhi, mauya pano riniko?”
Jesu akavapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hamunditsvaki nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta. Musabatira basa kutsvaka zvokudya zvinopera, asi batirai basa kuti muwane zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi, zvamuchapiwa naMwanakomana womunhu; nokuti baba, Mwari, vakaisa chisimbiso kwaari.” Zvino vakati kwaari, “Tichaiteiko, kuti tibate mabasa aMwari?”
Jesu akapindura, akati kwavari, “Basa raMwari ndiro, kuti mutende kuna iye waakatuma.”
Zvino vakati kwaari, “Munoita chiratidzo chipiko, kuti tione, tikutendei? Madzibaba edu akadya mana murenje, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, ‘Akavapa chingwa chikabva kudenga, kuti vadye.’ ”
Zvino Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, akanga asi iye Mosesi, akakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndibaba vangu vanokupai chingwa chechokwadi, chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndicho chinoburuka kudenga, chinopa pasi upenyu.”
Zvino vakati kwaari, “Ishe, tipei chingwa ichi misi yose.”
Jesu akati kwavari, “Ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri, haangatongovi nenzara, noanotenda kwandiri haangatongovi nenyota. Asi ndakakuudzai, kuti makandiona, asi hamutendi.
“Zvose baba zvavanondipa zvichauya kwandiri; noanouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze. Nokuti handina kuburuka kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuda kwoakandituma. Kuda kwoakandituma ndiko, kuti pazvose zvaakandipa, ndirege kurasikirwa nomumwechete waakanditurira, asi kuti ndivamutse nezuva rokupedzisira. Nokuti kuda kwababa vangu ndiko, kuti mumwe nomumwe, anotarira Mwanakomana, nokutenda kwaari, ave noupenyu husingaperi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.”
Zvino vaJudha vakagun'un'una pamusoro pake, nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kudenga.” Vakati, “Uyu haasi Jesu, Mwanakomana waJosefa, watinoziva baba namai vake here? Zvino angagoti seiko, ndakaburuka kudenga?”
Jesu akapindura, akati kwavari, “Musagun'un'una pakati penyu.
“Hakuna munhu angauya kwandiri, kana baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira. Muvaporofita makanyorwa, muchinzi, ‘Vachadzidziswa vose naMwari.’ Mumwe nomumwe akazvinzwa kuna baba, akadzidza, anouya kwandiri. Handirevi kuti kune munhu akaona baba; asi uyo anobva kuna Mwari, ndiye akaona baba.
“Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anotenda, ano hupenyu usingaperi. Ndini chingwa choupenyu.
“Madzibaba enyu akadya mana murenje, akafa. Ichi ndicho chingwa, chinoburuka kudenga, kuti munhu achidye, arege kufa. Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, achararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, yandinopira upenyu hwapasi.”
Zvino vaJudha vakakakavara pakati pavo, vachiti, “Munhu uyu angatipa seiko nyama yake, tidye?” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana musingadyi nyama yoMwanakomana womunhu, nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.
“Anodya nyama yangu, naanonwa ropa rangu, ane upenyu husingaperi; ini ndichamumutsa nezuva rokupedzisira. Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho, neropa rangu chokunwa chaicho. Anodya nyama yangu, naanonwa ropa rangu, anogara mandiri, neni maari. Baba vapenyu, sezvavakandituma, neni ndichirarama nababa; saizvozvo anondidya, achararama neni. Ichi ndicho chingwa chakaburuka kudenga; hazvina kuita samadzibaba akadya, akafa; anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Akareva zvinhu izvi musinagoge, achidzidzisa paKapenaume.
Zvino vazhinji vavadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakati, “Iri shoko igukutu; ndianiko angarinzwa?”
Asi Jesu, zvaakanga achiziva mumwoyo make kuti vadzidzi vake vanogun'un'una neshoko irero, akati kwavari, “Iri shoko rinokugumbusai kanhi? Muchagodiniko kana muchiona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva pakutanga? Mweya ndiye anoraramisa, nyama haina maturo; mashoko andakataura kwamuri, ndiwo mweya noupenyu. Asi vamwe venyu variko vasingatendi;” nokuti Jesu akanga achiziva kubva pakutanga, kuti vaisatenda ndivanaani, uye kuti ndiani aizomupandukira.
Akati, “Nemhaka iyi ndakati kwamuri, kuti hakuna munhu angauya kwandiri, kana asina kuzvipiwa nababa.”
Ipapo vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure, vakasazofamba naye.
Jesu akati kuna vane gumi navaviri, “Nemi munoda kubvawo here?” Simoni Petirosi akamupindura, akati, “Ishe, tichagoenda kuna aniko? Ndimi muna mashoko oupenyu husingaperi.
“Isu takatenda, tikaziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.”
Jesu akapindura, akati, “Handina kukutsanangurai, imi muri gumi navaviri here? Asi mumwe wenyu ndowaDhiabhori.”