Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 4:27-38

Johani 4:27-38 SNA2002

Zvino vadzidzi vake vakasvika, vakashamiswa vachiona kuti anotaurirana nomukadzi; kunyange zvakadaro hakuna mumwe akati, “Munotsvakeiko kwaari?” Kana, “Munotaurireiko naye?” Ipapo mukadzi akasiya chirongo chake, akaenda muguta, akati kuvanhu, “Uyai muone munhu, akandiudza zvose zvandakaita. Ko uyu handiti ndiye Kristu here?” Vakabuda muguta, vakaenda kwaari. Nenguva iyo vadzidzi vake vakafanomunyengetera, vachiti, “Rabhi, chidyai.” Iye akati kwavari, “Ini ndine zvokudya, zvandinodya, zvamusingazivi.” Zvino vadzidzi vakataurirana, vachiti, “Kasi mumwe amuvigira zvokudya kanhi?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwoakandituma, nokupedza basa rake. Ko imi hamuti, ‘Kwasara mwedzi mina, kukohwa kwasvika?’ Tarirai, ini ndinoti kwamuri, simudzai meso enyu, onai minda, kuti yatochena kuti ikohwiwe. Anocheka anopiwa mubayiro, anounganidza mbesanwa muupenyu husingaperi; kuti anokusha naanocheka vafare vose. Nokuti tsumo ndeyechokwadi, inoti, ‘Mumwe anokusha, mumwe achikohwa.’ Ndakakutumai kundokohwa zvamusina kubindukira; vamwe vakabindukira, zvino imi mapinda pane zvavakabindukira ivo.”

Verenga chikamu Johani 4