Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 20:10-18

Johani 20:10-18 SNA2002

Zvino vadzidzi vakadzokerazve kumusha kwavo. Asi Maria akaramba amire kunze kwebwiro, achichema; zvino achichema, akakotama, akadongorera mubwiro. Akaona vatumwa vaviri, vane nguo chena, vagere mumwe kumusoro, mumwe kumakumbo, ipapo pakanga paiswa chitunha chaJesu. Ivo vakati kwaari, “Mai, munochemeiko?” Akati kwavari, “Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuisa.” Zvino akati achireva izvozvo, akatendeukira shure, akaona Jesu amire; asi haana kuziva kuti ndiJesu. Jesu akati kwaari, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?” Iye achiti ndiye murimi womunda, akati kwaari, “Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiudzei pamamuisa, ndindomutora.” Jesu akati kwaari, “Maria!” Iye akatendeuka, akati kwaari nechiHebheru, “Rabhoni;” ndokuti, “Mudzidzisi.” Jesu akati kwaari, “Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna baba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari, ndinokwira kuna baba vangu nababa venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.” Maria Magadharina akaenda, akaudza vadzidzi, achiti, “Ndaona Ishe,” uye kuti akanga audzwa zvinhu izvi naye.

Verenga chikamu Johani 20