Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 15:1-27

Johani 15:1-27 SNA2002

“Ndini mudzambiringa wechokwadi, baba vangu murimi. Davi rimwe nerimwe riri mandiri, risingabereki michero, vanoribvisa; rimwe nerimwe, rinobereka michero, vanorinatsa, kuti riwedzere michero. Imi matonatswa neshoko randakareva kwamuri. Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka michero roga, kana risingagari mumudzambiringa; saizvozvo nemiwo, kana musingagari mandiri. “Ini ndiri mudzambiringa, imi muri matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka michero yakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu. Kana munhu asingagari mandiri, anoraswa kunze sedavi, ndokuoma; anounganidzwa, ndokukandirwa mumoto, atsve. Kana muchigara mandiri, namashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvamunoda, muchazviitirwa. Baba vangu vanokudzwa naizvozvi, kuti mubereke michero yakawanda; uye muchava vadzidzi vangu. Baba sezvavakandida, neni ndakakudai; garai murudo rwangu. Kana muchichengeta mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndaichengeta mirayiro yababa vangu, ndichigara murudo rwavo. “Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike. Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudane, seni ndakakudai imi. Hakuna munhu ano rudo rukuru kune urwu, kuti munhu arasire hama dzake upenyu hwake. Imi muri hama dzangu, kana muchiita zvandinokurayirai ini. Handichakuidzii varanda; nokuti muranda haazivi zvinoitwa naishe wake; asi ndinokuidzai hama; nokuti zvose zvandakanzwa kuna baba vangu, ndakakuzivisai izvo. “Imi hamuna kundisanangura, asi ini ndakakusanangurai imi, ndikakuisai kuti muende mubereke michero, uye kuti michero yenyu igare; kuti chinhu chipi nechipi chamunenge muchikumbira kuna baba muzita rangu, vakupei icho. “Ndizvozvi zvandinokurayirai, kuti mudane. “Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yakandivenga ini, isati yakuvengai imi. Kana maiva venyika, nyika yaidana vayo; zvino zvamusati muri venyika, asi ini ndakakusanangurai panyika, saka nyika inokuvengai. Rangarirai shoko randakareva kwamuri, ndichiti, ‘Muranda haasi mukuru kuna ishe wake.’ Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemiwo; kana vakachengeta shoko rangu, vachachengeta nerenyuwo. Asi izvi zvose vachakuitirai nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi akandituma. Dai ndisina kuuya, ndikataura navo, vangadai vasina zvivi; asi zvino havana pembedzo yezvivi zvavo. Anondivenga, anovenga nababa vanguo. “Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nomumwe munhu, vangadai vasina zvivi; asi zvino vakaona, nokundivenga ini nababa vangu. “Asi zvakaitwa, kuti shoko rakanyorwa mumurayiro wavo, riitike, rinoti, ‘Vakandivenga ndisina mhosva.’ “Kana Munyaradzi auya, wandichatuma kwamuri, achibva kuna baba, iye Mweya wechokwadi, anobuda kuna baba, achandipupurira. Nemiwo pupurai, nokuti maiva neni kubva pakutanga.

Verenga chikamu Johani 15

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neJohani 15:1-27