Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 13:1-38

Johani 13:1-38 SNA2002

Zvino mutambo wePasika usati wasvika, Jesu akaziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kuna baba, zvaakanga aida vanhu vake vaiva munyika, akavada kusvikira pakuguma. Zvino vakati voravira, Dhiabhori atoisa mumwoyo maJudhasi Isikarioti, mwanakomana waSimoni, kuti amupandukire; Jesu achiziva kuti baba vakamupa zvinhu zvose mumaoko ake, uye kuti akabva kuna Mwari, uye kuti anoenda kuna Mwari; akasimuka pakurayira, akabvisa nguo dzake, akatora mucheka, akazvisunga chiuno. Zvino akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, akadzipukuta nomucheka, waakanga akazvisunga nawo. Akasvika kuna Simoni Petirosi, iye akati kwaari, “Ishe, imi moshambidza tsoka dzangu kanhi?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Chandinoita hauchizivi zvino; asi uchazvinzwisisa pashure.” Petirosi akati kwaari, “Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nokusingaperi.” Jesu akamupindura, akati, “Kana ndisingakushambidzi, hauna mugove neni.” Simoni Petirosi akati kwaari, “Dzirege kuva tsoka dzangu dzoga, asi maoko angu nomusoro wanguo.” Jesu akati kwaari, “Akashambidzwa muviri wose, anofanira woga kuti ashambidzwe tsoka dzake, zvino wanaka kwazvo; imi makanaka, asi hamusi mose.” Nokuti akanga achiziva uyo aizomupandukira saka akati, “Hamuna kunaka mose.” Zvino akati ashambidza tsoka dzavo, akatora nguo dzake, akagarazve, akati kwavari, “Munoziva zvandakakuitirai here? Munondiidza Mudzidzisi, uye Ishe; munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye. Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. “Ndakakuratidzai makwara kuti muite imi sezvandakakuitirai ini. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Muranda haasi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa mukuru kune akamutuma. Kana muchizviziva izvi, makaropafadzwa kana muchizviita. “Handirevi imi mose; ini ndinoziva avo vandakasanangura; asi kuti Rugwaro ruitike, runoti, ‘Anodya chingwa changu, akandisimudzira chitsitsinho chake.’ Kubva zvino ndinokuudzai zvisati zvaitika, kuti kana zvichiitwa, mugotenda kuti ndini. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anogamuchira wandinotuma, unogamuchireni, noanondigamuchira ini, anogamuchira akandituma.” Zvino Jesu akati areva kudaro, akamanikidzwa mumweya, akapupura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira.” Vadzidzi vakatarirana, vasingazivi kuti wareva ani. Zvino mumwe wavadzidzi vake akanga akasendamira pachipfuva chaJesu, aidikanwa naJesu. Simoni Petirosi akamuninira, akati kwaari, “Tiudzei kuti ndianiko waanoreva.” Iye akavata pachipfuva chaJesu, akati kwaari, “Ishe, ndianiko?” Ipapo Jesu akapindura, akati, “Ndiye wandichapa chimedu, kana ndachiseva.” Zvino akati aseva chimedu, akachitora, akapa Judhasi, mwanakomana waSimoni Isikarioti. Iye akati agamuchira chimedu, Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari, “Zvaunoita, ita uchikurumidza.” Asi kwakanga kusina mumwe kuna vakanga vagere naye pakudya, akaziva kuti akareverei izvozvi kwaari. Vamwe vakanga vachiti, Judhasi zvaaigara ane chikwama, kuti Jesu akati kwaari, “Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chinhu.” Iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; hwakanga huri usiku. Zvino akati abuda, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana akudzwa maari; kana Mwari akudzwa maari, Mwari achamukudza iye maari, uchamukudza pakarepo. Vana vaduku, ndichiri nemi chinguva chiduku; muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, ndichiti, ‘Pandinoenda, imi hamungauyipo, saizvozvo zvino ndinoreva kwamuriwo.’ “Ndinokupai murayiro mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo. Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana muno rudo pakati penyu.” Simoni Petirosi akati kwaari, “Ishe, munoendepiko?” Jesu akapindura, akati, “Kwandinoenda, haunganditeveri zvino; asi uchanditevera pashure.” Petirosi akati kwaari, “Ishe, handingakutevereyi zvino neiko? Ndichakufirai ini.” Jesu akapindura, akati, “Uchandifira here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, Jongwe haringariri, usati wandiramba katatu.

Verenga chikamu Johani 13